Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Waniso

1. Zvino pamusoro pezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi.

2. Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake.

3. Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake.

4. Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndowomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndowomukadzi wakewo.

5. Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu.

6. Ndinotaura izvi ndichikutenderai, kwete somurayiro.

7. Ndinoshuva kuti dai vanhu vose vakaita seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipo chake chaakapiwa naMwari; mumwe ane chipo ichi mumwe ane icho.

8. Zvino kune vasina kuwana nechirikadzi ndinoti: Zvakanaka kwavari kuti vasawana, sezvandiri.

9. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, vanofanira kuwana, nokuti zviri nani kuwana pane kutsva.

10. Kuna vakawana ndinopa murayiro uyu (kwete ini, asi Ishe): Mukadzi ngaarege kuparadzana nomurume wake.

11. Asi kana akabva, ngaarege kuzowanikwazve, kana kuti ngaayanane nomurume wake. Uye murume haafaniri kuramba mukadzi wake.

12. Kuna vamwe vose ndinoti (ini kwete Ishe): Kana hama ino mukadzi asingatendi uye mukadzi achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.

13. Uye kana mukadzi ane murume asingatendi uye murume achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.

14. Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nokuda kwomukadzi wake, uye mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene kubudikidza nomurume wake anotenda. Vana venyu vaizova netsvina, asi zvino vava vatsvene.

15. Asi kana asingatendi akaenda, murege aende hake. Murume kana mukadzi anotenda haana kusungwa pakadai; Mwari akatidana kuti tigare murugare.

16. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko, kana uchaponesa murume wako? Kana, kuti iwe murume unoziva seiko, kana uchaponesa mukadzi wako?

17. Zvisinei hazvo, mumwe nomumwe ngaararame upenyu hwaakagoverwa naIshe uye hwaakadanirwa naMwari. Izvi ndizvo zvandinorayira mukereke yose.

18. Ko, munhu akadanwa atodzingiswa kare here? Ngaarege kuitwa asina kudzingiswa. Ko, munhu akadanwa asina kudzingiswa here? Ngaarege kudzingiswa.

19. Kudzingiswa hakuzi chinhu uye kusadzingiswa hakuzi chinhu. Asi kuchengeta mirayiro yaMwari ndiko kunokosha.

20. Mumwe nomumwe ngaagare ari zvaakanga ari paakadanwa naMwari.

21. Wakanga uri muranda here pawakadanwa? Ngazvirege kukudya mwoyo; kunyange zvakadaro, kana uchigona kuva wakasununguka, ita saizvozvo.

22. Nokuti uyo akadanwa naShe ari muranda, ava akasununguka muna She; zvimwe chetezvo, uyo akanga akasununguka paakadanwa ava muranda waKristu.

23. Makatengwa nomutengo; musava varanda vavanhu.

24. Hama, mumwe nomumwe, ngaarambe ari paakadanwa naMwari ari.

25. Zvino pamusoro pemhandara: Handina murayiro unobva kuna Ishe, asi ndinokuudzai somunhu akapiwa ngoni naShe kuti ave akatendeka.

26. Nokuda kwenhamo yazvino, ndinofunga kuti zvakanaka kuti munhu agare akadaro.

27. Wakawana here? Usatsvaka kurambana. Hauna kuwana here? Usatsvaka mukadzi.

28. Asi kana ukawana, hauna kutadza; asi kana mhandara ikawanikwa haina kutadza. Asi vaya vachawana vachasangana namatambudziko mazhinji muupenyu uye ini handidi kuti musangane nawo.

29. Zvandinoreva hama dzangu, ndezvokuti nguva ipfupi. Kubva zvino zvichienda mberi vana vakadzi ngavararame savasina;

30. vaya vanochema, savasingachemi; vanofara savasingafari; vanotenga chinhu, sokunonzi hachizi chavo;

31. navaya vane zvinhu zvenyika ino, savasingabatiriri pazviri. Nokuti nyika ino sezvairi nhasi ichapfuura.

32. Ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Murume asina kuwana anofunga zvaShe, kuti angafadza Ishe sei.

33. Asi murume akawana anofunga pamusoro pezvinhu zvenyika ino, kuti angafadza mukadzi wake sei,

34. uye zvaanoda zvakapatsanurwa. Mukadzi asina kuwanikwa kana mhandara anofunga nezvaShe: Chinangwa ndechokuzvipira kuna She panyama napamweya. Asi mukadzi akawanikwa anofunga zvenyika ino kuti angafadza murume wake sei.

35. Ndiri kutaura izvi kuti zvikubatsirei, kwete kuti ndikudzivisei, asi kuti murarame munzira yakarurama muchizvipira kuna She zvizere.

36. Kana mumwe achifunga kuti ava kuita zvisina kunaka kumhandara yaakatsidzira, uye kana ava namakore akafanira kana achida kumuwana, ngaaite zvaanoda. Haasi kutadza. Vanofanira kuwanana.

37. Asi uyo munhu anenge azvifunga mupfungwa dzake, asina zvinomumanikidza iye kana achizvidzora, uye kana akatema mumwoyo make kuti haadi kuwana mhandara iyi, murume uyu aitawo chinhu chakanaka.

38. Saka naizvozvo, uyo anowana mhandara iyi anoitawo zvakanaka, asi uyo asingawani anoita chinhu chakatonakisa.

39. Mukadzi akasungwa nomurayiro kumurume wake kana achiri mupenyu. Asi kana murume wake akafa, asununguka kuti awanikwe nomurume waanoda, asi anofanira kuva muna She.

40. Asi mukuona kwangu, angatonyanya kufara kana akagara akadaro, uye ndinofunga kuti neniwo ndino Mweya waMwari.