Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 4:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.

2. Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka.

3. Chinhu chiduku duku kwandiri kana ndichitongwa nemi kana dare ripi zvaro romunhu; zvirokwazvo handizvitongi pachangu.

4. Hana yangu yakachena, asi izvi hazviiti kuti ndive munhu akarurama. Ishe ndiye anonditonga.

5. Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 4