Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 2:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.

9. Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Izvo zvisina kuonekwa neziso,kana kunzwika nenzeve;nezvisina kupinda mumurangariro womunhu,zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”

10. Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake.Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari.

11. Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari.

12. Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena.

13. Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya.

14. Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 2