Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 2:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari.

2. Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa.

3. Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru.

4. Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya,

5. kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari.

6. Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba.

7. Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo.

8. Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.

9. Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Izvo zvisina kuonekwa neziso,kana kunzwika nenzeve;nezvisina kupinda mumurangariro womunhu,zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”

10. Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake.Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 2