Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 15:47-58 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

47. Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga.

48. Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga.

49. Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga.

50. Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari.

51. Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa,

52. sokupenya, mukubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa.

53. Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa.

54. Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapa tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”

55. “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu?Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?”

56. Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro.

57. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

58. Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 15