Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumuka kwaKristu

1. Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri.

2. Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina.

3. Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

4. kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

5. uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri.

6. Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete.

7. Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori,

8. uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika.

9. Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.

10. Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, nokuti ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.

11. Ipapo kunyange dai, ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda.

Kumutswa kwaVakafa

12. Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa?

13. Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa.

14. Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu.

15. Pamusoro pezvo, tichaonekwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu kubva kuvakafa. Asi haana kumumutsa kana zvirokwazvo vakafa vasingamutswi.

16. Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa.

17. Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu.

18. Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo.

19. Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose.

20. Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete.

21. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidiza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe.

22. Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu.

23. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake.

24. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose.

25. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.

26. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.

27. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose,” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu.

28. Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose muna zvose.

29. Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa?

30. Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose?

31. Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu.

32. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi,“Ngatidyei uye tinwe,nokuti mangwana tichafa.”

33. Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”

34. Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari, ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

Muviri wokumuka nawo

35. Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko vakafa vanomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita seiko?”

36. Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa.

37. Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho.

38. Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.

39. Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe.

40. Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe.

41. Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.

42. Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa unoparara, unomutswa usisaparari;

43. unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba;

44. unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya.Kana kuno muviri wenyama, kune muviri womweyawo.

45. Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga Adhamu akazova munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira, mweya unopa upenyu.

46. Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya.

47. Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga.

48. Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga.

49. Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga.

50. Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari.

51. Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa,

52. sokupenya, mukubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa.

53. Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa.

54. Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapa tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”

55. “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu?Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?”

56. Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro.

57. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

58. Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.