Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 15:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

5. uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri.

6. Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete.

7. Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori,

8. uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika.

9. Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 15