Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 15:32-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi,“Ngatidyei uye tinwe,nokuti mangwana tichafa.”

33. Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”

34. Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari, ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

35. Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko vakafa vanomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita seiko?”

36. Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa.

37. Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho.

38. Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 15