Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 15:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

4. kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

5. uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri.

6. Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete.

7. Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 15