Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 15:29-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa?

30. Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose?

31. Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu.

32. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi,“Ngatidyei uye tinwe,nokuti mangwana tichafa.”

33. Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”

34. Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari, ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

35. Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko vakafa vanomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita seiko?”

36. Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa.

37. Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho.

38. Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.

39. Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe.

40. Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe.

41. Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.

42. Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa unoparara, unomutswa usisaparari;

43. unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba;

44. unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya.Kana kuno muviri wenyama, kune muviri womweyawo.

45. Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga Adhamu akazova munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira, mweya unopa upenyu.

46. Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 15