Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 15:23-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake.

24. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose.

25. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.

26. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.

27. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose,” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 15