Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 15:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu.

18. Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo.

19. Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose.

20. Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete.

21. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidiza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe.

22. Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu.

23. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake.

24. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 15