Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 15:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri.

2. Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina.

3. Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

4. kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro,

5. uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri.

6. Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete.

7. Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori,

8. uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika.

9. Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.

10. Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, nokuti ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.

11. Ipapo kunyange dai, ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda.

12. Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa?

13. Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa.

14. Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 15