Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 14:26-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke.

27. Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire.

28. Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake nokuna Mwari.

29. Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure uye vamwe ngavanyatsoongorora zvaataura.

30. Uye kana kuzarurirwa kwasvika kuno mumwe munhu agere pasi, mutauri wokutanga ngaanyarare.

31. Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe.

32. Mweya yavaprofita inozviisa pasi pavaprofita.

33. Nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganyonga asi worugare.Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene,

34. vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 14