Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Zvipo zvoKuprofita noKutaura neNdimi

1. Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita.

2. Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake.

3. Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe.

4. Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa kereke.

5. Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa.

6. Zvino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai seiko, asi kuti kana ndichitaura nokuzarurirwa kana ruzivo kana chiprofita kana shoko rokurayira?

7. Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorirawo wani, zvakaita senyere kana rudimbwa, munhu achaziva seiko kana zvisingasiyani pakurira kwazvo?

8. Uyezve kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angagadzirira kundorwa?

9. Zvakadaro nemi. Kana musingatauri mashoko nendimi dzinonyatsozikanwa, ko, pane anganzwa here zvamunotaura? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo.

10. Zvirokwazvo panyika pane mitauro mizhinji yakasiyana-siyana, asi hakuna kana mumwe usina zvaunoreva.

11. Zvino kana ndisinganzwisisi zvinotaurwa nomunhu, ndiri mutorwa kumutauri, uye naiyewo mutorwa kwandiri.

12. Zvakadarowo nemi. Sezvo muchishuva zvipo zvoMweya, edzai zvikuru kushingairira zvipo zvinovaka kereke.

13. Nokuda kwechikonzero ichi, ani naani anotaura nendimi anofanira kunyengetera kuti adudzirewo zvaanotaura.

14. Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu ndiwo unonyengetera, asi kufunga kwangu hakuna zvibereko.

15. Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu.

16. Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura?

17. Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi.

18. Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose.

19. Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi.

20. Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru.

21. MuMurayiro makanyorwa muchinzi:“Ndichataura kuvanhu ava,kubudikidza navanhu vedzimwe ndimiuye kubudikidza nemiromo yavatorwa,asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,”ndizvo zvinotaura Ishe.

22. Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi.

23. Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here?

24. Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo,

25. uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.

Mutoo wakanaka wokunamata nawo

26. Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke.

27. Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire.

28. Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake nokuna Mwari.

29. Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure uye vamwe ngavanyatsoongorora zvaataura.

30. Uye kana kuzarurirwa kwasvika kuno mumwe munhu agere pasi, mutauri wokutanga ngaanyarare.

31. Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe.

32. Mweya yavaprofita inozviisa pasi pavaprofita.

33. Nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganyonga asi worugare.Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene,

34. vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro.

35. Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke.

36. Ko, shoko raMwari rakatanga nemi here? Kana kuti rakasvika kwamuri moga here?

37. Kana munhu achifunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomweya, ngaatende kuti zvandinokunyorerai murayiro waShe.

38. Kana akasatenda izvi, iye pachake ngaasatendwe.

39. Naizvozvo, hama dzangu, ivai nechido chokuprofita, uye musadzivisa kutaura nendimi.

40. Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira uye zvichitevedza mutemo.