Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 14:16-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura?

17. Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi.

18. Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose.

19. Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi.

20. Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru.

21. MuMurayiro makanyorwa muchinzi:“Ndichataura kuvanhu ava,kubudikidza navanhu vedzimwe ndimiuye kubudikidza nemiromo yavatorwa,asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,”ndizvo zvinotaura Ishe.

22. Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi.

23. Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here?

24. Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo,

25. uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.

26. Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke.

27. Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire.

28. Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake nokuna Mwari.

29. Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure uye vamwe ngavanyatsoongorora zvaataura.

30. Uye kana kuzarurirwa kwasvika kuno mumwe munhu agere pasi, mutauri wokutanga ngaanyarare.

31. Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 14