Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Timoti 1:2-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda:Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.

3. Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema,

4. kana kuzvipira kungano nokunhoroondo dzamazita amadzitateguru dzisingaperi. Izvi zvinongomutsa nharo panzvimbo yebasa raMwari rinoitwa nokutenda.

5. Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi.

6. Vamwe vakarasika kubva pazvinhu izvi uye vakatsaukira mukutaura kusina maturo.

7. Vanoda kuva vadzidzisi vomurayiro, asi havazivi zvavari kutaura pamusoro pazvo kana izvo zvavari kushingira kusimbisa.

8. Tinoziva kuti murayiro wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka.

9. Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu,

10. mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi

11. inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri.

12. Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Timoti 1