Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Timoti 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari Muponesi wedu naKristu Jesu tariro yedu,

2. Kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda:Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.

Yambiro pamusoro paVadzidzisi voMurayiro veNhema

3. Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema,

4. kana kuzvipira kungano nokunhoroondo dzamazita amadzitateguru dzisingaperi. Izvi zvinongomutsa nharo panzvimbo yebasa raMwari rinoitwa nokutenda.

5. Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi.

6. Vamwe vakarasika kubva pazvinhu izvi uye vakatsaukira mukutaura kusina maturo.

7. Vanoda kuva vadzidzisi vomurayiro, asi havazivi zvavari kutaura pamusoro pazvo kana izvo zvavari kushingira kusimbisa.

8. Tinoziva kuti murayiro wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka.

9. Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu,

10. mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi

11. inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri.

Nyasha dzaIshe kuna Pauro

12. Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake.

13. Kunyange zvazvo ndaimbomhura Mwari ndiri mutambudzi nomunhu wokumanikidza, ndakaitirwa ngoni nokuti ndakazviita mukusaziva uye nomukusatenda.

14. Nyasha zhinji dzaIshe wedu dzakadururwa pamusoro pangu, pamwe chete nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu.

15. Herino shoko rezvokwadi rinofanira kutendwa kwazvo: Kristu Jesu akauya munyika kuti aponese vatadzi, ini ndiri mukuru wavo.

16. Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi.

17. Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperiperi.

18. Timoti, mwanakomana wangu, ndinokupa murayiro uyu maererano nezvakaprofitwa kare pamusoro pako, kuti kana ukautevera ucharwa kurwa kwakanaka.

19. Wakabata kutenda uye nehana yakanaka. Vamwe vakaramba mirayiro iyi vakarasikirwa nokutenda kwavo.

20. Vamwe vavo ndiHimenio naArekizanda, avo vandakaisa kuna Satani kuti vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.