Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Petro 5:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda;

3. musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka.

4. Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori.

5. Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti,“Mwari anodzivisa vanozvikudzaasi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

6. Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.

7. Kandai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.

8. Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya.

9. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.

10. Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Petro 5