Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Petro 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose.

2. Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,

3. sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka.

4. Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari,

5. nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.

6. Nokuti muRugwaro zvinonzi:“Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni,ibwe rakasanangurwa, rinokosha,uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.”

7. Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi,“Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Petro 2