Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 2:18-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira.

19. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu.

20. Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi.

21. Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi.

22. Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.

23. Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo.

24. Onai kuti zvamakanzwa kubva pakutanga zvagara mamuri. Kana zvikadaro, nemiwo muchagara mumwanakomana nomuna Baba.

25. Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi.

26. Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai.

27. Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.

28. Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake.

29. Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Johani 2