20. Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira,
21. ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.
22. “Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake, kutangira mabasa ake akare;
23. ndakagadzwa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, nyika isati yavapo.
24. Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji;
25. makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa,
26. asati aita nyika neminda kana guruva ripi zvaro renyika.
27. Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo, paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa,