1. “Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu; rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva.
2. Ndava kuchizoshamisa muromo wangu; mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu.
3. Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama; muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva.
4. Mweya waMwari wakandiita; kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu.
5. Ndipindure zvino, kana uchigona; zvigadzirire ugotarisana neni.
6. Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari; neniwo ndakatorwa muvhu.
7. Kutyisa kwangu hakungakuvhundutsi, uye ruoko rwangu harungakuremeri.