Zadhoki akanga aripowo, uye vaRevhi vose vakanga vanaye vakanga vakatakura areka yesungano yaMwari. Vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akapa zvipiriso kusvikira vanhu vose vabuda muguta.