VaAmoni vakati vaziva kuti vakanga vava chinhu chinonhuwa mumhino dzaDhavhidhi, Hanuni navaAmoni vakatumira chiuru chamatarendaa esirivha kuti vandokumbira ngoro navachairi vadzo kubva kuAramu Naharaimu, Aramu Maaka nokuZobha.