Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 9:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.

8. Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.

9. Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.

10. “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

11. Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji, uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.

12. Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro; kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 9