9. panguva yorubvunzavaeni, zuva ravira, kunze kwosviba.
10. Ipapo mukadzi akabuda kuzosangana naye, akapfeka sechifeve uye azere nounyengeri.
11. Anotaura noruzha uye anozvikudza, tsoka dzake hadzigari pamba;
12. imwe nguva ari munzira, imwe nguva ari pazvivara. Anorindira pamakona ose.
13. Akamubata ndokumutsvoda, uye nechiso chisina nyadzi akati:
14. “Ndine zvipiriso zvokuwadzana kumba kwangu; nhasi ndazadzisa mhiko dzangu.
15. Saka ndauya kuzosangana newe; ndanga ndichikutsvaka, zvino ndazokuwana!
16. Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti.
17. Ndasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni.
18. Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani; ngatifare zvedu norudo!
19. Murume wangu haako kumba, akafamba rwendo rurefu.
20. Akatakura homwe yake izere nemari uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.”