Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 7:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Saka ndauya kuzosangana newe; ndanga ndichikutsvaka, zvino ndazokuwana!

16. Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti.

17. Ndasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni.

18. Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani; ngatifare zvedu norudo!

19. Murume wangu haako kumba, akafamba rwendo rurefu.

20. Akatakura homwe yake izere nemari uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.”

21. Namashoko okunyengetedza akamutsausa; akamukwezva nokutaura kwake kunonyengera.

22. Pakarepo akamutevera senzombe inoenda kundobayiwa, senondo inopinda mumusungo,

23. kusvikira museve wabaya chiropa chake, seshiri inokurumidza kupinda muugombe, asingazivi kuti zvichamuurayisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 7