Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 7:12-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. imwe nguva ari munzira, imwe nguva ari pazvivara. Anorindira pamakona ose.

13. Akamubata ndokumutsvoda, uye nechiso chisina nyadzi akati:

14. “Ndine zvipiriso zvokuwadzana kumba kwangu; nhasi ndazadzisa mhiko dzangu.

15. Saka ndauya kuzosangana newe; ndanga ndichikutsvaka, zvino ndazokuwana!

16. Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti.

17. Ndasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni.

18. Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani; ngatifare zvedu norudo!

19. Murume wangu haako kumba, akafamba rwendo rurefu.

20. Akatakura homwe yake izere nemari uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.”

21. Namashoko okunyengetedza akamutsausa; akamukwezva nokutaura kwake kunonyengera.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 7