Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 5:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu, teereresa kumashoko angu oungwaru,

2. kuti ugare wakachengeta kungwara uye kuti miromo yako ichengetedze zivo.

3. Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi, nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta;

4. asi pakupedzisira anovava senduru, anopinza somunondo unocheka namativi ose.

5. Tsoka dzake dzinoenda kurufu; nhambwe dzake dzinonanga kuguva.

6. Haafungi pamusoro penzira youpenyu; nzira dzake dzakaminama, asi iye haazvizivi.

7. Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei; musatsauka pane zvandinotaura.

8. Fambai nenzira iri kure naye, musasvika pedyo nomusuo wemba yake,

9. kuti murege kupa vamwe zvakanaka zvesimba renyu, uye namakore enyu kuno uyo ane utsinye,

10. kuti vatorwa varege kudya upfumi hwenyu, uye kushanda kwenyu nesimba kurege kupfumisa imba yomumwe munhu.

11. Pakupedzisira kwoupenyu hwako uchagomera, kana nyama nomuviri wako zvaparadzwa.

12. Uchazoti, “Mavengero andaiita kurayirwa! Mashorero aiita mwoyo wangu kudzorwa!

13. Ndakanga ndisingateereri vadzidzisi vangu, kana kunzwa varairidzi vangu.

14. Ndasvika pakuparara chaiko pakati peungano yose.”

15. Inwa mvura pachirongo chako chaicho, mvura inoerera patsime rako chairo.

16. Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here; nzizi dzako dzemvura pazvivara?

17. Ngadzive dzako woga, hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa.

18. Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 5