20. Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu.
21. Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako;
22. nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.
23. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.
24. Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.
25. Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako.
26. Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete.
27. Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.