17. Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba.
18. Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.
19. Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe.
20. Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu.
21. Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako;
22. nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.
23. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.
24. Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.