Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 4:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba.

18. Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.

19. Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe.

20. Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu.

21. Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako;

22. nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.

23. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.

24. Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 4