Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 4:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.

2. Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu.

3. Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,

4. baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama.

5. Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.

6. Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda.

7. Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.

8. Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 4