Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 31:3-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.

4. “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vabati kukara doro,

5. nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.

6. Ipai doro kuna avo vari kuparara, newaini kuna avo vari mukurwadziwa:

7. regai vanwe vakanganwe urombo hwavo, uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.

8. “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.

9. Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”

10. Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.

11. Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha.

12. Anomuitira zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.

13. Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira.

14. Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.

15. Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya nokupa varandakadzi vake basa ravo.

16. Anonan'anidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.

17. Anoita basa rake nesimba; kuti aite maoko ake akasimba mabasa ake.

18. Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 31