Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 31:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.

21. Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake; nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.

22. Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake; anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.

23. Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta, kana agere pakati pavakuru venyika.

24. Anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa, uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.

25. Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya.

26. Anotaura nouchenjeri, uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.

27. Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.

28. Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza:

29. “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.”

30. Zvinofadza zvinonyengera, uye runako runopera; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.

31. Mupeiwo mubayiro wake waakashandira, uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 31