Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 31:11-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha.

12. Anomuitira zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.

13. Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira.

14. Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.

15. Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya nokupa varandakadzi vake basa ravo.

16. Anonan'anidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.

17. Anoita basa rake nesimba; kuti aite maoko ake akasimba mabasa ake.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 31