Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 31:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:

2. “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka, iwe mwanakomana wemhiko dzangu,

3. usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.

4. “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vabati kukara doro,

5. nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.

6. Ipai doro kuna avo vari kuparara, newaini kuna avo vari mukurwadziwa:

7. regai vanwe vakanganwe urombo hwavo, uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.

8. “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 31