Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 30:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Usawedzera kumashoko ake, kana kuti achakutsiura uye agokuratidza kuti uri murevi wenhema.

7. “Zvinhu zviviri zvandinokumbira kwamuri, imi Jehovha, musandirambira izvi ndisati ndafa:

8. Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni; musandipa urombo kana pfuma, asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose.

9. Zvichida, ndingava nezvakawanda kwazvo ndikasakukudzai, uye ndikazoti, ‘Jehovha ndianiko?’ Kana kuti zvimwe ndingava murombo ndikaba, uye ndikasaremekedza zita raMwari wangu.

10. “Usareva muranda kuna tenzi wake, nokuti achakutuka, uye uchazviripira izvozvo.

11. “Kuna avo vanotuka madzibaba avo uye vasingaropafadzi vanamai vavo;

12. vaya vanozviti vakachena pamaonero avo asi vasina kusukwa tsvina yavo;

13. vaya vane meso anozvikudza nguva dzose, vane matarisiro okushora;

14. vaya vane meno anenge minondo nameno eshaya dzavo anenge mapanga kuti vaparadze varombo panyika, navanoshayiwa kubva pakati pavanhu.

15. “Chikwevaropa chine vanasikana vaviri. Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’ “Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti, zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’:

16. guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’

17. Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora.

18. “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 30