Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 30:24-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. “Panyika pane zvinhu zvina zvidiki, asi zvakachenjera kwazvo:

25. Majuru zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha:

26. mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo;

27. mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo;

28. dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo.

29. “Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo, zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo;

30. shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho;

31. mafambiro okuzvikudza ejongwe, nenhongo yembudzi, uye namambo akakomberedzwa navarwi vake.

32. “Kana uchinge waita upenzi nokuzvirumbidza pachako, kana kuti waronga zvakaipa, bata muromo wako noruoko rwako!

33. Nokuti somukaka warozva unobudisa ruomba, uye sokudzvinyirira mhino kunobudisa ropa, nokudaro kumutsa hasha kunobudisa kukakavara.”

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 30