Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 30:17-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora.

18. “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:

19. nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana.

20. “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’

21. “Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona:

22. muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji,

23. mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.

24. “Panyika pane zvinhu zvina zvidiki, asi zvakachenjera kwazvo:

25. Majuru zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha:

26. mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo;

27. mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo;

28. dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo.

29. “Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo, zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo;

30. shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho;

31. mafambiro okuzvikudza ejongwe, nenhongo yembudzi, uye namambo akakomberedzwa navarwi vake.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 30