16. guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’
17. Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora.
18. “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:
19. nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana.
20. “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’
21. “Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona:
22. muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji,
23. mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.