Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 30:14-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. vaya vane meno anenge minondo nameno eshaya dzavo anenge mapanga kuti vaparadze varombo panyika, navanoshayiwa kubva pakati pavanhu.

15. “Chikwevaropa chine vanasikana vaviri. Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’ “Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti, zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’:

16. guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’

17. Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora.

18. “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:

19. nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 30