Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 30:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. “Usareva muranda kuna tenzi wake, nokuti achakutuka, uye uchazviripira izvozvo.

11. “Kuna avo vanotuka madzibaba avo uye vasingaropafadzi vanamai vavo;

12. vaya vanozviti vakachena pamaonero avo asi vasina kusukwa tsvina yavo;

13. vaya vane meso anozvikudza nguva dzose, vane matarisiro okushora;

14. vaya vane meno anenge minondo nameno eshaya dzavo anenge mapanga kuti vaparadze varombo panyika, navanoshayiwa kubva pakati pavanhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 30