Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 3:3-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa yomwoyo wako.

4. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu.

5. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;

6. munzira dzako dzose umutende, uye acharuramisa nzira dzako.

7. Usazviita munhu akachenjera pameso ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.

8. Izvi zvichava utano pamuviri wako nokusimbiswa kwamapfupa ako.

9. Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako;

10. ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.

11. Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake,

12. nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.

13. Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,

14. nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.

15. Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.

16. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.

17. Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.

18. Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 3