Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 3:20-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.

21. Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;

22. zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.

23. Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;

24. paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka.

25. Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa kana kuparadza kunokunda vakaipa,

26. nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.

27. Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita.

28. Usati kumuvakidzani wako, “Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,” iwe uchitova nazvo pauri.

29. Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa, anogara nechivimbo pedyo newe.

30. Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero, iye asina zvaakutadzira.

31. Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba, kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake,

32. nokuti Jehovha anovenga munhu akarasika, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.

33. Kutuka kwaJehovha kuri paimba yowakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama.

34. Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa.

35. Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 3