Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 29:17-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako.

18. Pasina chiratidzo, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.

19. Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.

20. Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.

21. Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.

22. Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zhizhinji.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 29