Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 27:20-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti.

21. Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana.

22. Kunyange ukatswa benzi muduri, kumutswa sezviyo nomutswi, haungabvisi upenzi hwake maari.

23. Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako, uchengete zvakanaka mapoka ako;

24. nokuti pfuma haigari nokusingaperi, uye korona haigari kusvikira kumarudzi namarudzi.

25. Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda, nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,

26. makwayana achakuwanisa zvokupfeka, uye mbudzi nomutengo womunda.

27. Uchava nomukaka wembudzi wakawanda wokudya iwe nemhuri yako, uye wokuraramisa varandakadzi vako.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 27