Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 27:15-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Mudzimai anokakavara akafanana nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;

16. kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo, kana kuchingidzira mafuta noruoko.

17. Simbi inorodza simbi, saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.

18. Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo, uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa.

19. Sezvo mvura ichiratidza chiso, saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.

20. Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti.

21. Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana.

22. Kunyange ukatswa benzi muduri, kumutswa sezviyo nomutswi, haungabvisi upenzi hwake maari.

23. Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako, uchengete zvakanaka mapoka ako;

24. nokuti pfuma haigari nokusingaperi, uye korona haigari kusvikira kumarudzi namarudzi.

25. Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda, nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,

26. makwayana achakuwanisa zvokupfeka, uye mbudzi nomutengo womunda.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 27