Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 26:22-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Mashoko eguhwa akaita semisuva yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu.

23. Samarara esirivha akanamirwa kunze kwomudziyo wevhu, ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa.

24. Muparadzi anozvivanza namatauriro ake, asi mumwoyo make akaviga ruvengo.

25. Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura, nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.

26. Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake, asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano.

27. Kana munhu akachera gomba, achawira mariri; kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake.

28. Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa, uye muromo unobata kumeso unoparadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 26