Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 26:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve, saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita.

3. Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro, uye shamhu musana webenzi!

4. Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro, kana kuti iwe pachako uchafanana naro.

5. Pindura benzi maererano noupenzi hwaro, kuti rirege kuona sokuti rakachenjera.

6. Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo, ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 26